Takaona kuti vabereki vakanga vasina simba pakusarudza zvikoro zvevana vavo. Kazhinji vachiita research inorwadza isingabudisi zvakawanda.
Schools dzaitengesa chimwe chinhu pamasocial media nepawebsite dzadzo, asi vozoita 'tora kana usiya' kana watobhadhara fees. Uye kushandura pfungwa dzako kunodhura — mari nemanzwiro emwana wako.
Takagadzira School Reviews nekuti tinotenda vabereki vanofanirwa kuwana zviri nani. Tinovimba platform iyi inobatsira vabereki kuwana simba mukubatwa kwavo nezvikoro.
Tinovimba kuti zvikoro zvinoshanda zvakati twi, zvine kutendeka uye zvine hanya nevanhu vazvo zvinobuda pachena. Uye tinovimba kuti zvikoro zvanga zvisingaite zvakanaka zvichawana reason yekuimprove.
Pakupedzisira, tinoda education sector muZimbabwe ibudirire uye ibatsire vanhu vayo. Iyi iplatform yevabereki, yakagadzirwa nevabereki — uye tinotenda kuti tese, tinogona kuita difference.